Wakasika Zvose Zvinhu (Hymn 10)

Wakasika zvose zvinhu, Iwe Mwari woga
Pasina wakayamura, Kuzviita kwako

Aya Makomo amire, Akasikwa newe,
Akamira akasimba, Nokutsigwa newe

Nayo Mvura yatinonwa, Takapiwa newe.
Nako kudya kwatinodya, Takapiwa newe.

Wakasika vanhu iwe, Nokufana newe,
Ukavapa zvinhu zvose, Zvikavakodzera.

Kwasvika muvengi wavo, Akavabvutira,
Vakusiya iwe Mwari, Vakanzwa izwi rake.

Wakati kuvaponisa, Ukaita tsitsi
Ukavapa Mwana wako, Achizovafira.

(Hymn 10)

Leave a comment